letra de mabasa - oliver mtukudzi
haiwaiwa haiwaiwa
ndozviudza aniko kuti paita mabasa pano?
tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
ndozviudza aniko?
kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
haiwaiwa kwaita mabasa kuno
misodzi yapera hapana vachachema
zvava kurwadzira mumoyo chinyararire (chinyararire)
iko kubata maoko hakuchina chiremerera
kwafumuka uku zvichabatsireiko (kwafumuka)
hauzi uchenjeri kusara takararama varume
kana kuri kungwara uku tichavigwa naniko? (nani?)
ah ha ndozviudza aniko kuti paita mabasa pano?
tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
ndozviudza aniko?
kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
haiwaiwa kwaita mabasa
misodzi yapera hapana vachachema
zvava kurwadzira mumoyo chinyararire (chinyararire)
iko kubata maoko hakuchina chiremerera
kwafumuka uku zvichabatsireiko (kwafumuka)
hauzi uchenjeri kusara takararama varume
kana kuri kungwara isu tichavigwa naniko?
achachema mumwe ndiani?
achanyaradza mumwe ndiani?
achabata maoko mumwe ndiani?
iwe wafirwa ini ndafirwa
zvino achachema mumwe ndianiko mukuruwe?
firo yavako makore ano kana ndiyo mhedzisiro yenyika
achachema mumwe ndiani?
achanyaradza mumwe ndiani?
achabata maoko mumwe ndiani?
nhai vakuruwe vakuruwe
hoo vakuruwe vakuruwe
inga paita mabasa pano
tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
ndozviudza aniko?
kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
haiwaiwa kwaita mabasa
pwere dzotungamira
mushandi otungamira sare chembere neharahwa
zvino achavinga mumwe ndiani?
achabata maoko mumwe ndiani?
achachema mumwe ndiani?
iwe wafirwa ini ndafirwa
zvino achachema umwe ndianiko?
nhai vakuruwe vakuruwe?
hoo vakuruwe vakuruwe
nhai vakuruwe vakuruwe
inga paita mabasa pano
tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
ndozviudza aniko?
kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
haiwaiwa kwaita mabasa
misodzi yapera hapana vachachema
zvava kurwadzira mumoyo chinyararire (chinyararire)
iko kubata maoko hakuchina chiremerera
kwafumuka uku zvichayamureiko (kwafumuka)
hauzi uchenjeri kusara takararama varume
kana kuri kungwara isu tichavigwa naniko? (nani?)
ah ha ndozviudza aniko kuti kwaita mabasa pano?
tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
kwaita mabasa
kwaita mabasa
kwaita mabasa
kwaita mabasa
letras aleatórias
- letra de great time - dez mona
- letra de script fighter i : iokanaan vs airjee (battle pour le titre) - airjee
- letra de haverit - mc kresha & lyrical son
- letra de who am i - anonymousssss
- letra de new - exit mindbomb
- letra de księżyc świeci nocą - oskar
- letra de baby steps - birdeatsbaby
- letra de saca só que rolê / minuto informativo - snj
- letra de say nada (remix) - shakka
- letra de sea calls me home - julia holter